body-container-line-1

Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai (Evil Kins)

By Brian Kazungu
Poem Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai Evil Kins
NOV 2, 2019 LISTEN

Hama dzine moyo yakaipa kudai ndidzo chete dzatasara nadzo
Dzingava hama dzeropa, dzeganda, dzechitendero kana dzezvenyika
Chadzo kuda kuona isu tese tichitambura, pasina kana chedu chinopfakanyika
Zvikaramba zvakadai, hapana kwatiri kuenda, irikuparara nyika

Dzavo dzimba vanopfirira nekupfurunura dzavamwe
Dzavo huni, matanda nembariro zvakavaka dzimba dzevamwe
Chavo chikuwe, chimbo cherufu pamisha yevamwe
Hapana chavo kana pasina chashaikwa nevamwe

Kutambudzika kwedu, kwavari imhiko, vakatoita zvekupikira
Chese chingatitambudza, nyangwe chikaita kure sei, vangatochifambira
Chavo chishuwo hakusi kwavo kubudirira, asi kuona isu vamwe tese pasi tichiwira
Vanofara kwazvo, kana isu vamwe tese tikashaya Nyadenga chaakatisikira

Kana vaenda kumberi, hakuna anofanira kutevera
Pavanocheuka, wese wavaona arikuda kuvapindira
Kuita chavasina kufunga ivo, kutori kuvakanganisira
Mukabatana pachenyu, kwavari ihondo, matovapandukira

Huipi hwemoyo yavo, vakafugidza nekunyengera
Ukaswera navo, vanenge vachitokusekerera
Asi nhamo yako chivezwa kana chiumbwa chavo, vanotochikwenenzvera
Munzira yehupenyu, pese pawabondera, ivo vanotopemberera

Tsinga dzavo dzakati tandara simba risina simba rezvakanaka
Nyangwe ukapfakanyika sei, zvako zvese zvakamira, hapana chakanaka chinofamba
Mupfungwa dzavo makati ndandanda kuzara mabasa asina basa rakanaka
Nokuti chese chavafunga marwadzo, havadi udzane kana kupembera

Hama dzine moyo yakaipa kudai, ndidzo chete dzatasara nadzo
Idzo dzaive nemoyo chena dzakatisiya kare ndidzo dzaitipa donhodzo
Idzi dzakatikomberedza nhasi, chadzo kungofunga kutidonhedza
Hapana chedu chakanaka chavanoona vakasafunga kuchiparadza

Asi nyangwe zvakadaro, tese tikaramba takashinga, nesuwo tichapemberera
Chakaipa chavakabata mumaoko nekupfimbika mumoyo, mangwana chichavapandukira
Chikafu chehudzvanyiriri chavakadya nemvura yehutsinye yavakanwa zvichichavazvimbira
Hungwanda ngwanda hwezvedu zvose zvavakapamba, mumaoko medu zvichadzokera

©Brian Kazungu, 19/10/2019

body-container-line